Kunyange hazvo sarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa mugore ra2023, vamwe vanopikisa Mumwe wevari kutsvaga rutsigiro mutungamiri webato rinopikisa reNew Patriotic Front, VaTendayi Munyanduri. VaMunyanduri vari kufamba vachitaura nevanhu mumigwagwa nemunzvimbo dzinenge dzakaungana vanhu.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuMozambique nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC mukuyeza kurovana masoro panyaya yehondo iri munyika iyi.
Nhengo dzevechidiki idzi dzinoti dzichamira semusambangwena kudzivirira mahofisi kuti asatorwe neMDC-T yaMuzvare Khupe vachiti mahofisi ari mumaoko evechidiki pari zvino.
Vanhu vairarama nekutakura vanhu nemichovha yavo vanoti vakashaya bhizinisi nguva yekuvharwa kwenyika senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19, izvo zvakakonzera kuti vakawanda vavo vatengese motokari dzavo vamwe vachitozorwara.
Masangano anoongorora sarudzo munyika anoti sarudzo dzematunhu madiki dzeZanu PF dzemaDistrict Coordinating Committes- DCC’s – dzinoratidza kuti nyika inokwanisa kuita sarudzo dzema by-elections ayo akambomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Hurumende inoti mutoro wayo kuviga munhu akafa achiyamura mukufukunyurwa kwevanhu vakadhirikirwa nemugodhi muBindura svondo rapera.
Amai VaTichaona Nyeketa vanoti mwana wavo mumwe wevakadhirikirwa nemughodi muRan Mine, kuBindura.
Mukuru weCivil Protection VaJonathan Nkomo vanoti hurumende ichabatsira kuvigwa kwaVaWellington Bere avo vakafa pamugodhi weRan Mine vachiedza kubatsira kufukunura vanhu vakadhirikirwa nemugodhi vanodarika makumi matatu.
Mamwe madzimai akamirira kufukunurwa kwehama dzavo dzinofungidzirwa kuti dzakadhirikirwa nemugodhi paRan Mine kuBindura.
Vamwe vagari vemuBindura vakamirira kufukunurwa kwavanhu vakadhirikirwa nemugodhi weRan Mine.
Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti VaNcube vangadai vakaparura bhajeti ravo nemari yekuAmerica sezvo iri mari yave kushandiswa nevanhu vakawanda kusanganisira hurumende.
Mumwe mudzimai ari kuwana ruyamuro kubva kuWFP anoti ave kutokwanisa kudya nyama nebhinzi uye ave kudya katatu pazuva.
Maneja wechitoro cheMetro Peech muChinhoyi Amai Sunungurai Magweta vanoti bhizinisi ravo riri kuwanda zvikuru munguva dzinopihwa vanhu mari neWFP
Mutauriri weWorld Food Program (WFP) muZimbabwe Muzvare Claire Nevill vanoti vanhu vanosvika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu (3.3million) vanoda rubatsiro rwezvekudya mumadhorobha. Muzvare Nevill vanoti dambudziko rakanyanya kuwedzerwa nekuda kwedenda Covid-19.
Bazi reUnited Nations rinoona nezvekubatsira vanhu nezvekudya reWorld Food Program-WFP- rinoti richawedzera huwandu hwevanhu variri kupa ruyamuro rwezvekudya muvagari vemumaguta kubva pazviuru mazana matatu nemakumi maviri kusvika pachidimbu chemiriyoni kana kuti 500 000 kutanga kwegore rinouya.
Huwandu hwevana vabatwa nechirwere cheCovid-19 pachikoro cheChinhoyi High hwakwira kusvika pavana makumi mashanu nevasere. Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti kusvika parizvino vana vabatwa nechirwere ichi vave makumi mashanu navanomwe.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika. Vanhu vaviri vakafira kuBulawayo mumwe chete kuMasvingo.
Chikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology, CUT, chakavharwa nemusi weChishanu mushure mukubatwa kwevdzidzi vanomwe nechirwere cheCovid-19 svondo rino.
Amai Mliswa Chikoka vava gurukota rechitatu kubatwa nechirwere ichi zvichitevera kubatwa kwakaitwa vaimbove gurukota rezvekurima, muchakabvu Perrence Shiri, pamwe negurukota redunhu reMidlands, VaLarry Mavima.
Vanhu vakawanda vanorangarira kubviswa nechisimba kwakaitwa vaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe vamwe vanhu vakawanda vachiti zvinhu zvatonyanya kuoma munyika..
Rodhai zvimwe