Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trumpo vebato remaRepublicans nemutungamiri webato remaDemocrats VaJoe Biden nhasi vari kupeta hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kuitwa neChipiri
Vhidhiyo; A lChihera vekereke yeSalvatiom Army vopa maonero avo panyaya yezvirango.
VaGodknows Chirenje vanotaura pamusoro pezuva rekurwisana nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vavo vari mubato reZanu PF.
Mushandi webazi rezvekuburitswa kwemashoko muChinhoyi VaJohanne Kachikuli vachifamba vachitaura pamusoro pezvirango, Svondo.
Muzvare Juliet Shambare vanotsanangure nezve zvirango, kanakuti masanctions.
Vamwe vemabhizinisi nemakambani pamwe nezvimwe zvikoro zvepamusoro vanoti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika zviri kuvatadzisa kuita mabasa avo zvakanaka. Asi vamwe vanopikisa vanoti huwori uye kusajeka kwegwara rezvehupfumi munyika ndiko kwakonzera kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.
Vanhu vanosvika mazana maviri vakapisirwa dzimba dzavo dzavo nemapurisa papurazi raVaPhillip Chiyangwa reSinoa Citrus Farm pedyo neChinhoyi nemusi weMuvhuro.
Mumwe wevakapisirwa dzimba dzavo asi vasina kwekuenda ndiVaPatrick Mafusire.Vanobvuma kuti havana gwaro rekuti vagare papurazi iri asi vanoti purazi iri ndere kanzuru yeChinhoyi kwete raVaChiyangwa. Vanoti sezvo dare rakapa mutongo neChishanu vangadai vapihwa mazuva ekuti vabve.
Kupinda kwameya weKariba muchirongwa chekupihwa kwevanhu vanoshaya zvekudya nesangano reWorld Food Program-WFP kwave kukonzeresa mutauro wakanyanya munyika.
Chipatara chikuru chemuChegutu chavharwa nhasi mushure mekubatwa kwevashandi vaviri nechirwere cheCovid-19, mumwe wacho ndokufa nezuro.
WFP iri kushanda nesangano reLEAD kupa vanhu mari dzekutenga zvekudya munguva ino yeCovid-19. Munhu mumwechete ari kupihwa madhora gumi nemaviri pakadhi uye vanotenga zvekudya izvi muzvitoro zveOK ne TM chete sezvo musingapere zvinhu zvichienzaniswa nezvimwe zvitoro. Mari iyi inotenga chikafu chete.
Vamwe vagarii vemuChinhoyi nhasi vatenga zvekudya nerubatsiro rwemari kubva kusangano reWorld Food Program kana kuti WFP. Sangano iri riri kubatsira vanhu vanosvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu nemazana manomwe nemakumi mana kana kuti 26 740 kubva mumawadhi gumi mudhorobha reChinhoyi. .
Vamwe vagarii vemuChinhoyi nhasi vatenga zvekudya nerubatsiro rwemari kubva kusangano reWorld Food Program kana kuti WFP.
Izvi zvaitika panguva iyo vanhu vakawanda pasi rose vari kuvhiringwa pfungwa dzavo nechirwere cheCovid-19.
Makambani akawanda anoita zvekudzidzisa nekutorwa kwemarezinesi ekutyaira motokari anoti havasati vave kushanda sezvo zvinhu zvavano fanirwa kuita kuti vasaparadzire chirwere cheCovid-19 zvakawanda.
Varairidzi vakawanda vanoti mari yavapihwa nhasi nehurumende yekuti vayamurike ishoma zvikuru vachiti chavari kuda imari yavaitambira iri yemadhora ekuAmerica.
Vamwe vagari vemuChinhoyi vari kupomera masoja nemapurisa mhosva yekuvarova zvakaipisisa neChitatu manheru.
Zvikoro zvakawanda zvatadza kuvhura nhasi sezvo zvanga zvisina zvikwanisiro zvakakwana.Vamwe vana vechikoro vekuChinhoyi votaura pamusoro pezvavasangana nazvo. Vhidhiyo ina Nunurai Jena.
Rodhai zvimwe