Zimbabwe Prisons and Correctional Services inoti pane zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumajeri kune dzimwe nyika zviri kutadza kuuya kuzopedzesa mutongo wazvo mumajeri emuno nekuda kwekuti hazvina magwaro ekuzvarwa kana kufambis
Mabharani mukuru wehurumende VaClemence Masango, vanoti havasi kufara kuti komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, yave kutora divi nekuvashora nevashandi vebazi ravo.
Zuva ranhasi makore maviri apfuura, vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakanyora tsamba kudare reparamende vachizivisa kuti vainge vasiya basa.
Public Accounts Committee is worried by Sakunda Holdings’s failure to testify during Parliament’s enquiry into more than US$5 billion unauthorized expenditure in 2017 and 2018.
Gwaro richangobva mukuburitswa nebazi reZimStats rinotaridza kuti huwandu wevanhu munyika huchakwira kusvika pamamiriyoni makumi maviri nerimwe nechidimbu muna 2032 uyewo vanhu vachenge vave kurarama kwenguva yakareba panguya iyi kudarika pari zvino.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voshanyira nzvimbo inogayiwa mvura yeMorton Jeffrey water works. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vazivisa kuti hurumende yavo ichatsigira kanzuru yeHarare nemari kuti kanzuru ikwanise kuwanisa vagari mvura yakachena.
Aimbove mushamarari wenhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, Caleb Tondhlana, uyo akashaya kuSouth Africa nemusi weMuvhuro wapfuura, aradzikwa nhasi kumarinda eWarren Hills muHarare.
Vachitaura pamusangano wakaitwa ne LEDRIZ nevatori venhau neChitatu manheru muMasvingo, chipangamazano musangano iri, Doctor Propsper Chitambara, vakati matambudziko ari kusangana nebazi rehutano munyika gore rino ari kukonzerwa nekuti hurumende yakaisa mari shoma shoma kubva mubhajeti kubazi iri.
Bhanga guru renyika rinozivisa kuti richaparura mari itsva yemunyika mukati memasvondo maviri ari kutevera senzira yekugadzirisa kushaikwa kwemari munyika pamwe nekugadzirisa zviri kunetsa mumabhanga izvo nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kudhindwa dhindwa kwemari kunogona kukonzerawo inflation.
Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, razivisa kuti richadhinda mari itsva ichange ichishandiswa mumabhanga serimwe rematanho ariri kutora mukugadzirisa nyaya yekushomeka kwemari munyika pamwe nekugadzirisa zvinhu mumabhanga nemisika yemari munyika.
Paramende yeZimbabwe nhasi yanyora magwaro ekusungisa kambani yeFert, Seed, Grain (FSG) nemhosva yekuzvidza dare iri
Bato rinopikisa reMDC raburitsa mashoko kuvatori venhau richiti harinei nekufora kwaita vanhu nhasi richiti kupedzera hoko padehwe retsindi.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya votatsurana nasachogaro wekomitie yeparamende inoona nezvemari VaTendai Biti
Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vanoti nyika yavo inoda kuramba ichitengeserana neZimbabwe kana ichinge yabuda musangano reEuropean Union uye patove nehurongwa hwekugudzira chibvumirano chekuti izvi zviitike.
Paramende yapedza kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro peZimbabwe Media Commission Bill muHarare paine mashoko ekuti hurumende yabvuma kuti bhiri iri rinopa masimba akawandisa kugurukota rezvekuritswa kwemashoko
Bato guru rinopikisa munyika, reMDC inotungamirwa naAdvocate Nelson Chamisa raumba chikwata chichange chichiongorora nekugadzirisa nyaya dzehuwori mumakanzuru munyika yose, pamwe nekuvandudza mabasa evatevedzeri vatatu vaVaChamisa
Kambani yeFood, Seed and Grain, kana kuti FSG, yaramba kuti yakabhadharwa mazana mana emamiriyoni nemadhora ekuAmerica, sezvakataurwa nevamwe vakuru vakuru mubazi rezvemari.
Komiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, yePublic Accounts, yoshora mutevedzeri wagavhuna weReserve Bank, VaKhupukile Mlambo nekwavanoti kuizvidza.
Pakandiranwa makobvu nematete pakati pemutungamiriri weMDC, VaNelson Chamisa, nemukuru weHarare Central Hospital, Dr. Tinashe Dobbie, mushure mekunge VaChamisa nechikwata chavo vashanyira chipatara ichi vachida kuona kutambura kuri kuita varwere.
Rodhai zvimwe