Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vakati Zimbabwe yakatarisana nematambudziko munyaya dzematongerwo enyika, hupfumi, nenyaya dzesarudzo uye zvinoda kuti vanhu vese vagare vaite nenhaurirano dzine musoro.
Vachiparura gwaro reongoorora yezvinhu zvakakakosha zvinoda kugadziriswa kuitira kuti nyika iite sarudzo dziri pamutemo sezvinodiwa nrbumbiro remitemo yenyika, mukuru weERC, VaTawanda Chimhini, vati mitemo yesarudzo hausati wavandudzwa kuti uenderane nebumbiro iri.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotura mashoko avo pamamiriro akaita zvinhu munyika vachikurudzira runyararo pamwe nekurwisa huori.
Hurumende iri kutora matanho akawanda anosanganisira kuvaka madhamu pamwe nekutenga mishonga inochenesa mvura senzira yekupedza dambudziko remvura mumadhora nemaguta munyika.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi, vapedza rimwe zuva vari muchipatara vachiongororwa hutano hwavo.
Nhumwa yeUnited Nations munyaya dzekodzero dzevanhu, VaClement Voule, yasangana nemutauri weNational Assembly pamwe nemasachigaro emakomiti ose eparamende vakazeya nyaya dzakasiyana siyana .
Dare remakurukota razeya nyaya yachiremba akapembwa nemusi weMugovera, Dr Peter Magombeyi, uye raita chisungo chekuti mapazi ese ehurumende anoona nezvekuchengetedzwa nekudzvirirwa kwenyika, atsvage kuti chiremba ava vari kupi.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaposa, vakumbira ruregerero kuvanhu vanga vari kuNational Sports Stadium pamusoro pemhirizhonga iri kuita kunyika kwavo vachiti vane hurombo nezvakaitika.
Vanhu vakawanda vakuvara kunhandare yeRufaro meshure mekunge zviuru zvevanhu zvatsikirirana zvichimhanyira kundoona mutumbi wevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, munhandare yeRufaro.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaviga gamba renyika, Major General Trust Mugoba, vachiti kushaya kwavo, pamwe nekushaya kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kwasiya nyika yarasikirwa zvikuru.
Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uchasvika muHarare neChitatu masikati uye ndipo pachaziviswa hurongwa kwekuradzikwa kwavo.
Zimbabwe inoti haina zvainokwanisa kuita kuchengetedza zvizvarwa zvayo zvakatarisana nemhirizhionga inotyisa iri kuitika kuSouth Africa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvinonzi zvafa neChina mushure mekupisirwa mudzimba mumusha weMandela Squatter Camp iri Kethlehong kumabvazuva kweguta reJohannesburg.
Vachitaura nevatori venhau, munyori anoona nezvevakarwa hondo muPolitiburo yeZanu PF, VaDouglas Mahiya, vati zviri pachena kuti nyika dzemuEU dzatanga zvakare kurwisana neZimbabwe uye vati vakazvipira kupinda muhondo zvekare.
Mapurisa anodzivirira nyonga nyonga asunga nhengo dzesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, apo dzange dzichiratidzra pamahofisi ebazi rezvemari.
Dare redzimhosva raramba kutambira chikumbiro chemagweta ari kumirira murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa- Zimbabwe, iro riri kubatsira Gonyeti nekumurapisa nezvimwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti Gonyeti akasvikirwa nevanhu vaive nepfuti vakapaza gonhi repamba pake akapambwa nevanhu vainge vakavhara zviso zvavo.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanoti zviri kuitwa nemapurisa nehurumende zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.
Vamwe Amai varamba kutaura zita ravo varatidza Studio 7 mavanga ange ari kumusana kwavo uye vati vazopona nekupinda mune imwe imba muna Jason Moyo. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Mapurisa ange akazara mumisha inogara veruzhinji uye mune mimwe misha mapurisa ange achirambidza vanhu kupinda mudhorobha zvichitevera kurambidzwa kwakaitwa bato reMDC kuenderera mberi nekuratidzira kwayo nhasi. Vamwe baba vabva kuHatfield vanoti varohwa zvakaipisa vakarasikirwa nezvinhu zvavo.
Rodhai zvimwe