Vanhu vakawanda vnoti vari kufara nekusungwa kwakaitwa mhavha dzinotyisa nomwe dzange dzave nemakore akawanda dzichitsvagwa mushure mekupara mhosva dzakawanda dzinosanganisira kuba dzichishandisa pfuti.
Chimwe chipangamazano chemutungamiri wenyika, Dr Shingi Munyeza, nhasi vavhiringidzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori vakatadza kutaura pamusangano wekuparura sangano reZimbabwe Institute of Strategic Thinking muchiitiko chashorwa nevanhu vakawanda vapinda mumusangano uyu.
Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vagari vemuHarare, Harare Metropolitan Residents Forum kana HAMREF rinoti harisi kufara nekudzingwa pamwe nekusungwa kwameya weHarare, VaHebert Gomba, nemamwe makanzura richiti izvi zvinokanganisa basa rekanzuru.
Sangano reZimbabwe Human Rights Commission rinoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuchengetedza kodzero dzemunhu wese munyika sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.
Sangano rinomirira maguta nemadhorobha munyka reUrban Councils Association of Zimbabwe, kana kuti UCAZ, ranyorerawo kuhurumende richtsvaga mvumo yekuti maguta nemadhorobha ese munyika abhadharise vagari mari nemadhora ekuAmerica.
Mumwe mugari wemuHarare, VaJohnstone Chirwa, vaudza Studio7 kuti vanobvumirana kuti mauto anoita basa guru asi vakati havafari kuti mauto emuZimbabwe ave kushanda akarerekera kune rimwe bato.
Asi mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza Studio7 kuti VaMatemadanda pachavo vanoziva kuti hurumende nebato ravo zviri kutyora kodzero dzevanhu uye zvavari kutaura manyepo.
Vaimbove gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vakashaya neCovid-19, mutevedzeri wegurukota revechidiki nemitambo, VaTinomuda Machakaire vakabatwawo neCovid-19 vakabuda pachena.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vati hapana munhu angataura kuti munyika hamuna mhirizhonga ivo vanhu vari kusungwa, kubhinywa, kurohwa pasina chikonzero zuva zuva.
Hurumende yazivisa kuti zvipatara zvese munyika zvinofanira kutambira varwere vese uye kuvavheneka kuti vane Covid-19 here kana kwete zvisinei kuti vakambongororwa here kana kuti kwete.
Vanga vari gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, avo vakashaya neCovid-19 nemusi weChitatu, varadzikwa paNational Heroes Acre muHarare vachirumbidzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza vatori venhau kuti kutambura kuri kuita vanhu munyika kuri kukonzerwa nehurumende iri kutadza kutonga.
Hurumende yasainirana chibvumirano nevarimi vachena vakatorerwa mapurazi avo chekubhadhara vachena ava mabhiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti $3.5 billion.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica, Mutsvangwa, vaudza vatori muHarare kuti hurumende iri kushushikana kuti pane manyepo ari kutaurwa munyika.
Rimwe remagweta aChin’ono, VaDoug Coltart, vati vachapikisa mudare repamusoro mutongo wapihwa Chin’ono wekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso
VaGomba vari kupomerwa mhosva yekushandisa hosifi yavo zvisiri pamutemo apo vanonzi vakanyora tsamba vachiti vamwe vanhu vapihwe masitendi.
Madzimai eMDC Alliance muzvare Joana Mamombe ,Cecilia Chimbiri naNetsai Marova voshora mabatirwo avaita pavasvika padare redzimhosva nemapurisa.
Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, anonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso anzi adzokere kudare musi wa 7 Nyamavhuvhu. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Kutongwa kwaFrank Chikowore naSamuel Takawira kwatadza kuenderera mberi mudare mushure mekunge vafakazi vatadza kuuya kudare vachinzi vange vari kurwara.
Dare ramajisitiri raramba kutambira chikumbiro chekuti rirerutse maBail Conditions enhengo dzeMDC Alliance dzinoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marowa sezvo vachuchusi vari kutadzakupa vatatu ava zuva rekuti nyaya yavo ichatongwa rini.
Rodhai zvimwe