Kutongwa kwevatori venhau, Frank Chikwore anoshanda akazvimirira, na Samuel Takawira wekambani ye263 Chat, kwatanga neChina kudare ramajisitiri kuMbare, vaviri ava vachiramba mhosva yavari kupomerwa.
Dare nhasi ratadza kutanga kutonga vatori venhau Frank Chikowore anoshanda akazvimirira pamwe naSamuel Takawira we263 Chat avo vari kupomerwa mhosva yekuramba kuterera mapurisa apo vakapinda muchipatara kunotaura nenhengo nhatu dzeMDC Alliance.Vachuchusi vashandura mhosva iri kupomerwa vatatu aya.
Dare ratadza kutanga kutonga vatori venhau Frank Chikowore anoshanda akazvimirira pamwe naSamuel Takawira we263 Chat avo vari kupomerwa mhosva yekuramba kuterera mapurisa apo vakapinda muchipatara kunotaura nenhengo nhatu dzeMDC Alliance mushure mekunge vachuchusi panyaya iyi vashandura mhosva.
Dare ramajisiteriti kuMbare nhasi ratadza kutanga kutonga vatori venhau, Frank Chikowore anoshanda akazvimirira pamwe naSamuel Takawira wekambani ye263 Chat avo vari kupomerwa mhosva yekuramba kuteerera mapurisa.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vanoti hurumende yakapa mizinda inoimirira pasi rese zviuru gumi zvemadhora ekuAmerica pamuzinda wega wega kuitira kuti mizinda iyi igadzirise matambudziko anosangana nevashandi vayo panguva ino yechirwere cheCovid-19.
Hurumende inoti iri kupa mizinda yayo mari inoita zviuru gumi zvemadhora ekuAmerica pamuzinda wega wega semari yekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid 19. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Mutongi wedare repamusoro, Justice Pisirai Kwenda, vati pane zvakavanzika panyaya yechibvumirano cheDrax-SAGL nekambani yehurumende yeNatPharm
Mutori wenhau Cornelius Nduna uyo akashaya muHarare nemusi weChina aradzikwa nhasi kumusha kwake kuMasasa kuChivhu hama neshamwari dzichiti munhu aiziva basa rake zvikuru sei kuburitsa nyaya dzehuwori.
MDC-T, inoti yamhan’arira kumapurisa MDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, MDC Alliance, ichiti bato ravo rakaedza kutora muzinda weMorgan Tsvangirai House nechisimba nezuro zvichitevera mashoko avanoti akataurwa naVaChamisa ekukurudzira mhirizhonga kuChitungwiza nemusi weChitatu.
Dare ramagisitereti muHarare rarasa chikumbiro chamuzvinabhimisisi ane mutauro mukuru munyika, VaDelish Nguwaya, chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo panyaya mbiri dzavari kupomerwa.
Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nhasi nevamwe vedzisvondo vakasiyana-siyana vachinamatira kupera kwedenda reCOVID-19.
Dare ramajisiteriti muHarare nhasi ranyima mukana wekubvisa mari yechibatiso madzimai matatu eMDC anoti Joana Mamombe, Cecelia Chimbiri naNetsai Marova, awo ari kupomerwa mhosva yekutaura manyepo kumapurisa kuti vainge vasungwa nemapurisa pamwe nekupambwa mwedzi wapfuura.
Madzimai matatu eMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, Cecilia Chimbiri naNetsai Marowa vachange vari mutirongo kusvika nemusi weMuvhuro apo dare richanzwa chikumbiro chekuti vatatu ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.
Madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vachange vari mujeri remadzimai reChikurubi Female Remand Prison kusvika neMuvhuro pachapihwa mutongo wekuti vapihwe kana kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Amai Mpariwa Gwanyanya vanoti vaona zvakakodzera kuti vasiye chigaro chekuva sachigaro wemadzimai muMDC zvichitevera kuzvidzwa kwavari kuitwa mubato.
Munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti vanoda kugadzirisa nyaya yehuwori pamusangano wavo wekutanga paMorgan Richard Tsvangirai House nemusi weChipiri.
MDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, inoti yakatora muzinda weMorgan Richard Tsvangirai House murunyararo neChina manheru asi MDC Alliance yaVaNelson Chamisa ichiti muzinda wayo wakabvutwa nechisimba pachishandiswa mapurisa nemauto aive nezvombo zvehondo.
MDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe inoti yakatora muzinda weMorgan Richard Tsvangirai House murunyararo nezuro manheru asi MDC Alliance yaVaNelson Chamisa ichiti muzinda wayo wakabvutwa nechisimba pachishandiswa mapurisa nemauto aive nezvombo zvehondo. VaDouglas Mwonzora votaura.
Rodhai zvimwe