Vaimbove murongi wemusangano mubazi revechidiki mubato reZanuPF, VaGodfrey Tsenengamu, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa, yekukurudzira vanhu kuti varatidzire zvine mhirizhonga muna Chikunguru.
Zimbabwe neMugovera yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva rekukosha kwemwanasika kana kuti Internationl Day of the Girl vanasikana kuGlendale kuMazowe vachiti vanoda kupihwa mukana wekuti vawane dzidzo yakanaka kuti vagove neremangwana rakanaka.
Zvichitevera chiziviso chayakapihwa nehurumende chekuputsa dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo, kanzuru yeChitungwiza yakazivisa nemusi weChina kuti ichaputsa zviuru nezviuru zvedzimba nemabhizimisi mumisha yakawanda inosanganisira St Marys, Seke, Zengeza nemimwe.
Mutauriri waMuzvare Khupe, VaKhaliphani Phugeni, avo vatora mhiko kudare reSenate, vati vachashanda zvakasimba kuti veruzhinji vaone musiyano pakati pavo nenhengo dzakadzingwa mudare. Vhidhiyo Ina Godwin Mangudya.
Muzvare Yvonne Musarurwa vebato reMDC-T vanoti vakazvipira kushandira guta reHarare nesimba muparamende. Muzvare Musarurwa vatora mhiko yekuve nhengo yeNational Assembly naMuzvare Thokozani Khupe nevamwe nhasi. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Hurumende yakazotenda nemusi weChina kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro zvakavhurwa nemusi weChipiri varairidzi vachibva vatanga kuramwa mabasa vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika arikushora zvikuru kushungurudzwa kuri kuitwa mumirira weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joana Mamombe, achiti zviri kutika kuna Muzvare Mamombe zvichaita kuti madzimai akawanda asade kupinda mune zvematongerwo enyika.
Masangano eZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC), Transparancy International Zimbabwe (TIZ), pamwe neNational Assembly, asainirana chibvumirano chekuita mushandirapamwe pakurwisa huwori uhwo hwave kukanganisa hupfumi wenyika.
Vachitaura nevatori venhau muHarare, vamiriri vemasangano ose mapfumbamwe anomirira varairidzi munyika, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzemihororo yavo pamwe nemashandiro avo.
Mutungamiriri wesangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, reZimbabwe National Students Union, ZINASU, Tafadzwa Ngadziore, vati mari dziri kutaurwa neUZ dzakawandisa uye vabereki vavo, avo vari kutambira mari yemuno, havadzikwanisi.
Kunyange hazvo denda reCovid-19 richiri munyika vanhu vakawanda kumaruwa ekuMashonaland East anosanganisira Murehwa vari kufamba vasina kuzvidzivirira kuchirwere ichi izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzehutano zvinogona kukonzora kuparararira kwechirwere ichi.
Muzvinafundo Simbi Mubako, vanoti bhuku resangano ravo rakaparurwa svondo rino nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa reAfrica Fact Book ibhuku rine nhoorondo yeAfrica.
Gweta ranzura weMDC Alliance kuMasvingo, VaGofrey Kurauone, VaMartin Mureri, vanoti VaKurauone vawanikwa vasina mhosva panyaya yavanga vachipomerwa yekuvhara mugwagwa kuMashava muna Chikunguru gore rino. (Vhidhiyo: Godfrey Mtimba)
Gweta raChikowore naTakawira, VaTonderai Batasara, vati mutongi aona zvakakodzera kurasa mhosva iyi sezvo panga pasina humbowo hwakati tsvikiti.
Mune imwewo nyaya, kanzura weMDC Alliance kuMasvingo, VaGofrey Kurauone, vawanikwa vasinamhosvapanyaya yavanga vachipomerwa yekuvharwa mugwagwa kuMashava muna Chikunguru gore rino.
Chimwe chikamu cheZimbabwe National Liberation War Veterans Association mudunhu reHarare, chashora vamwe vaive varwiri verusununguko vari kuti hutungamiriri wesangano iri hubviswe.
Mutauriri weMDC Alliance, Advocate Fadzayi Mahere, vaudza vatori nevenhau kuti chimbumirano ichi chakaitwa muchihwande pasingatevedzwe mutemo yenyika.
Vachitaura nevatori venhau vange vachitungamira chikwata ichi, VaEthan Matibela, vati sangano iri rakaumbwa kuti rigadzirise matambudziko evarwiri vehondo yerusununguko asi vakati hutungamitri huripo hauna hany’a navo.
Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vati kuti zviri pachena kuti VaMoyo vari kuita zvavanoda nekuti mutemo weUrban Councils Act unovapa simba rekuita izvi, izvo zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.
Masangano aya atora danho iri zvichitevera danho rakatorwa neZEC iyo yakaburitsa zviri pamutemo mazita evanhu gumi nevashanu vari kutarisirwa kutora zvigaro zvakasiyiwa nenhengo dzeMDC Alliance.
Rodhai zvimwe