Accessibility links

Breaking News

UNGA

Mutungamiri weAmerica, VaBiden, Vanotaura kuUNGA Vachishoropodza Zvakare Kupinda kweRussia muUkraine neChisimba

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vachitaura kumusangano weUNGA.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vachitaura kumusangano weUNGA.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vashora zvakare kupinda nechisimba kweRussia muUkraine, vachiti kutyora chibvumirano cheUnited Nations Charter, icho chinorambidza kupinda mune dzimwe nyika nechisimba.

Vachitaura kumusangano wechimakumi manomwe nesere, kana kuti 78th United Nations General Assembly kuNew York muno muAmerica, VaBiden vati nyika yavo yeAmerica inoremekedza zvikuru chubvumirano U.N. Charter, icho chinoremekedza ivhu redzimwe nyika, kusanganisira ivhu reUkraine.

Vatiwo America iri kuita zvose zvainokwanisa mukupedza dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze.

"Kupisa kusati kwamboonekwa mupasi rose kuri kuitika muAmerica ne China. Moto iri kupisa masangano muNorth America ne Southern Europe. Makore mashanu ekusanaya kwemvura mudunhu re Horn of Africa. Mafashamu akauraya zviuru zvevanhu kuLibya. Zvese izvi takazvibatanidza tinoona kuti pane nyaya yakatimirira kana takatadza kuderedza kushandisa kwedu marasha negasi totanga kudzvirira pasi redu.”

VaBiden vatiwo America inotsvaga nzira dzekukwikwidzana nadzo neChina munyaya dzekutengeserana dzisingazoita kuti pave nekusawirirana, vachiti nyika yavo ichaita zvose zvinoita kuti China imire kushandisa chisimba nekutyisidzira, uye ichaita zvose kuti pave nekugadzikana.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Guterres, vashorawo kusagadzikana kuri kuonekwa mupasi rose vachiti kunze kwerunyararo, vari kuona kutowedzera kwenyaya dzekupesana, vachipa muenzaniso wekupinda nechisimba kweRussia muUkraine pamwe nekupidigurwa kwedzihurumende dzemudunhu reSahel muAfrica.

“Sezvandakambokuudzai kuG20, yave nguva yekuti pasi rose riwirirane. Zvematongerwo enyika ndezvekuwirirana, kudyidzana kuwirira a, hutongo hunoshanda ndehwekuwirirana. Vatungamiri vane mutoro wavanofanira kutambira kuitira kuunza runyararo nebudiriro zvinogutsa munhu wese.”

VaGuterres vatiwo nyaya yekushanduka kwemamiriro ekenzu inoda kuzvipira kwenyika dzakabudirira vachiti vakawanda muAfrica havasati vave nemagetsi zvinoita kuti varambe vachishandisa marasha anonzi anokanganisa mamiriro ekunze.

Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti mashoko ataurwa naVaBiden pamusoro pehondo iri pakati peRussia neUkraine akakosha zvikuru sezvo hondo iyi yakonzera kutambira kukuru mupasi rose.

"Mashoko makuru chaizvo avataura anoratidza rudo rweAmerica kumatambudziko epasi rose kuti ange achigadzirika. Vanyanya kutaura vakanangana nehondo yekuUkraine, vachibata ivo bumbiro remutemo weUnited Nations unobata iwo Russia kuti zvairi kuita kuUkraine zvakaipa," vanodaro Muzvinafundo Masocha.

Sachigaro veCCC mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vatiwo mashoko aVaBiden anofadza.

"Anoratidza kuti VaBiden vane humare hwekutungamira. Zvakakosha kuti nyika hombe dzinonzi ma super powers, dziitewo dzichitarisa nyika diki kana kuti vanhu vaya vanenge vachidzvanyirirwa. Zvakaita Russia kuti inoenda kunopamba nyika diki yayakavakidzana nayo hazvibvumidzwe," vanodaro VaDzvokora.

Asi nhengo yeZanu PF mudunhu reBritain, VaMarshall Gore, vanoti America nedzimwe nyika dzekumawirira ndivo vakakonzera hondo yeUkuraine neRussia

"Kutaura hakurambidzwi. But, chakakosha kuti kutaura zvinhu zvine hunhu here? Maonero andinoita hangu ini ndeekuti vatungamiri vekwamuri ikoko (kuAmerica) vanotarisira vamwe vese pasi. Ende (vanoti) iwo mafungiro avo nezvavanoita ndizvo zviite. Hondo iyoyo ndinoona kuti ndivo vakaikonzera nedanho ravo reNATO. Saka mhirizhonga iri kutiika kuUkraine kuRussia ini maonero angu chaiwo chaiwo, ndivo ivo varidzi vemhirizhonga iyi, ende dai vamira zvavari kuita izvozvo pasi pano paiita runyararo," VaGore vanodaro.

Panyaya yekuti Africa ingabatsirikawo sei nekurudziro yekurwisana nekushanduka kwemamiriro ekunze pachitariswa kuti nyika zhinji muAfrica dzichiri kushandisa marasha negasi zviri kunzi zviri kukonzera kushanduka kwekunze nekukasika, Muzvinafundo Masocha vanoti nyika dzakabudirira dzinofanirwa kuwedzera mari yekurwisana nekushanduka kwemamiriro ekunze inopiwa kubatsira Africa, pove nedzidziso yakasimba uye kurwisana nehuwori, hwavanoti hwakatekeshera muAfrica.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vari kutisirwa kutaurawo kumusangano uyu nemusi weChina.

Mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, mutungamiri weChina, VaXi Jinping pamwe nemutungamiri wehurumende yeBritain VaRishi Sunak, ndevamwe vevatungamiri vasiri kupinda musangano uyu.

Dingindira regore rino rinoti, “Rebuilding trust and reigniting global solidarity,” uye rakanangana nekuumba kuvimbika pamwe nekumutsiridza kubatana kwepasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

Nyaya Ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvimwe Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvokurudzira Mutungamiri WeNyika VaRobert Mugabe Kuti Vasiye Basa

Zvimwe Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvokurudzira Mutungamiri WeNyika VaRobert Mugabe Kuti Vasiye Basa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:02 0:00

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaive pakuratidzira kwakaitwa muNew York pakauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations, zvirikukurudzira kuti VaMugabe vasiye basa sezvo varikuritadza. Ngatinzweyi hurukuro yakaitwa naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 nezvizvarwa izvi.

Chimwe Chizvarwa CheZimbabwe Chinoti Chicharamba Chichiratidzira Kusvika Zvinhu Zvanaka

Chimwe Chizvarwa CheZimbabwe Chinoti Chicharamba Chichiratidzira Kusvika Zvinhu Zvanaka
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:56 0:00

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chaive pakuratidzira kwakaitwa muNew York pakauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUN, VaTatenda Musanhi, vanoti vacharamba vachiita izvi kusvika zvinhu zvasanduka munyika. Ngatinzweyi hurukuro yavakaita naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7.

Hurukuro naDr Patson Dzamara

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bhanga Repasi Rose reWorld Bank Rinoti Harisi Kuzoita Nhaurirano dzeMari neZimbabwe

Dr. Patson Dzamara
Dr. Patson Dzamara

Murwiri wekodzero dzevanhu Dr. Patson Dzamara vanoti vari kufara nekuwana mhinduro kubva kubhanga repasi rose reWorld Bank, yekuti harisi kuzopinda munhaurirano neZimbabwe pamusoro pechikumbiro chayo chekuti ikwereteswe mari.

Izvi zvinotevera gwaro renyunyuto kana kuti petition rakasvitswa kumahofisi makuru eWorld Bank muWashington D.C. naDr. Dzamara panguva iyo vakange vari muAmerica pakuratidzira kwakaitwa kumuzinda weUnited Nations uri muNew York nezvizvarwa zveZimbabwe vhiki rapfuura.

World Bank-Dzamara Response Letter1
World Bank-Dzamara Response Letter1

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaratidzira zvichiti hazvisi kufadzwa nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nehurumende yaVaMugabe.

Zvizvarwa izvi zvakange zvichi ratidzira panguva apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakange vari pamusangano weUnited Nations General Assembly pamwe nevamwe vatungamiri vepasi rose.

"Tiri kufara kuti hurumende yaVaMugabe hasisiri kucharamba ichiita nhaurirano nesangano reWorld Bank dzekukwereteswa mari zvichitevera petition yatakaendesa ichimirira zvizvarwa zveZimbabwe. Tino ziva kuti gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vange vari mushishi mekupemha mari kubva kuWorld Bank asi izvi zvavakuzomira,"Dr. Dzamara vaudza Studio 7.

Dr Patson Dzamara 5
Dr Patson Dzamara 5

Dr Dzamara vanoti hurumende izere vanhu vakwegura avo vari kukwereta mari ichazotarisirwa kubhadharwa nevechidiki vasina kana dhonwe rimwe ravakadya.

Dr Dzamara vanoti vakatumirwa zvinyorwa nezuro kubva kusangano iri zvaitaura kuti World Bank vakange ichizo remekedza chikumbiro chavo.

"Tiri kuvimba kuti chiitiko ichi chicharatidza hurumende kuti vanhu vaneta nezvirikuitika munyika zvaita kuti vafunge kuenda kumasangano akadayi seWorld Bank tichinokumbira kuti vasarambe vachishanda nehurumende ine hudzvinyiriri sehweZimbabwe.

"Vanhu vari kuramba vachimbunyikidzwa, kodzero dzavo dzichityorwa uye parizvino mukoma wangu Itai Dzamara hatizive kuti hurumende yakumuendesa kupi."

Dr. Dzamara vaudza Studio 7 kuti chiitiko ichi chichabatsira kuti hurumende izive kuti vanhu havachada kuramba vachidzvinyirirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota Rekushanyirwa Kwenyika VaWalter Mzembi Votsvaga Chigaro Chekutungamira UNWTO

Gurukota Rekushanyirwa Kwenyika VaWalter Mzembi Votsvaga Chigaro Chekutungamira UNWTO
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vanoti vari mushishi rekutsvaga rutsigiro rwekuti vasarudzwe kutungamira sangano reUnited Nations World Tourism Organisation. Dr Mzembi vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 kuti vakawana basa iri vachasiya chigaro chavo muhurumende.

VaMugabe Voshorwa neMashoko Avo eKushora United Nations

Dr Patson Dzamara
Dr Patson Dzamara

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kushorwa zvakanyanya nevanhu vakawanda munyika nemashoko avo nemusi weMugovera ekuti nyika dzemuAfrica neAsia dzakagadzirira kubuda mugungano reUnited Nations kana Security Council isina kuvandudzwa.

VaMugabe vakataura mashoko aya panhandare yendege yeHarare International mushure mekudzoka kumusangano weUnited Nations General Assembly kana kuti UNGA.

Security Council ine nhengo shanu dzinoti, Britain, France, China, America neRussia dzine masimba akawanda kudarika dzimwe nyika dzose.

Vanopikisa vanoti zvinoshamisa kuti VaMugabe vanoda kuti UN ivandudzwe ivo vachitonga nedemo.

Vatiwo United Nations ndiyo iri kuraramisa vana veZimbabwe vari kuziya nenzara sezvo hurumende yaVaMugabe yakundikana kuita zvayakavhoterwa. Gungano reUnited Nations riri kubatsirawo Zimbabwe munyaya dzezvehutano.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvimwe zvakabva kumusha zvakabatana mukuratidzira pamuzinda weUnited Nations svondo rapfura panguva iyo VaMugabe vaitaura kumusangano weUNGA uyu.

Mumwe waavo vange vari pakuratidzira uku ndi Dr Patson Dzamara avo vanorwira kodzero dzevanhu uye vange vachiratidzira vachiti havasi kufara nehutongo hwaVaMugabe.

VaMugabe vakaudza catsigiri vavo kuti havanawo kufara nekuratidzira uku vachiti kunonyadzisa nyika. Asi VaDzamara vanoti havaone chakaipa pakuratidzira kwavakaita.

"Zvinokatyamadza kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vangatuke vana vavo vari kuyedza kuzeya navo zvinetsva zvenyika asi vachiwana nguva yekusangana nekukurukura ne nhengo dze December 12th Movement idzo dzisina kana chimwe chizvarwa cheZimbabwe chari mavari," Vanodar VaDzamara.

Vanoenderera mberi vachiti, "Tiri kushamiswa kuti vanhu ava vaipihwa mukana wekupinda mumuzinda wenyika yedu uri muNew York asi zvizvarwa zvenyika sesu zvisinga cheukwe,"

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, Studio 7 yabatawo nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde, VaKindness Paradza avo vashora vainge vachiratidzira ava.

"Tinoshamiswa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingano ratidzira kuNew York uko zvichitadza kutsvaga nzira dzekuona mutungamiri wenyika VaMugabe kumusha kuti vakwanise kuzeya nhunha dzavo pasina bopoto ne mhirizhonga," VaParadza vaudza Studio 7.

Hurukuro naDr Patson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakaratidzira kuNew York Zvinoti Zvakabudirira

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York (09. 21, 2016.)
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York (09. 21, 2016.)

Zvizvarwa zveZimbabwe zvanga zvichiratidzira kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York zvinoti kuratidzira kwazvakaita kwemazuva mashanu kubva neMugovera kusvika neChitatu, kwakakosha zvikuru uye kwakabudirira.

Mumwe wevakanga vachironga kuratidzira uku, Muzvare Savanna Madamombe vanoti izvi zvakapa mukana kuvana veZimbabwe vakawanda wekuona kuti vanokwanisa kutaura zvavanoda.

Muzvare Madamombe vanoti kuratidzira ikoku kwakabatsirawo zvakare kuti hurumende yeZimbabwe pamwe nenyika dzose dzakapinda mumusangano weUnited Nations general Assembly uyu dzinzwewo zvinyunyuto zvavo.

Asi vanoti vanozviziva zvavo kuti Zimbabwe haife yakateerera zvinyunyuto zvavo, sezvayagara ichiita kwemakore makumi matatu nematanhatu ose aya.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakanga varikowo kumusangano uyu uye vakataura nemusi weChitatu.

VaMugabe vakati nyika yavo iri kundikana kuendesa mberi chirongwa cheZim Asset.

Hurukuro naMuzvare Savanna Madamombe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMzembi Votsvaga Rutsigiro rweKutungamira UNWTO muAmerica

VaWalter Mzembi
VaWalter Mzembi

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vari muNew York kumuzinda weUnited Nations nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiyedza kutsvaga rutsigiro rwekuti vaite munyori mukuru wesangano reUnited Nations World Tourism Organization kana kuti UNWTO.

VaMzembi vanoti vakatotambirwa neAfrican Union, SADC pamwe chete nehurumende yeZimbabwe. African Union yakatambira VaMzembi pamusangano wakaitirwa kuKigali, Rwanda.

VaMzembi vakadomwa kuita gurukota rezvekushanyirwa kwenyika muna 2009 vachibva vasarudzwa kupinda muexecutive council yeUNWTO.

Kubvira zvakaumbwa sangano iri muna 1975 hapana munhu wemuAfrica ati amboritungamira.

VaMzembi vakashora zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuratidzira panze pemuzinda weUnited Nations vachiti zviri kusvibisa zita renyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinoti hazvisi kufara nematongero emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Hurukuro naVaWalter Mzembi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMugabe Voshora Nyaya yeKutemerwa Zvirango kuUnited Nations

VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakataura nemusi weChitatu pamusangano wechimakore makumi manomwe nerimwe weUnited Nations General Assembly muNew York vachiti zvirango zvakatemerwa nyika ndizvo zviri kukanganisa zvirongwa zvekuvandudza hupfumi.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe zvange zvichiratidzira pamuzinda weUnited Nations uyu zvange zvichiti VaMugabe ndivo vauraya nyika nematongero avo.

Mutungamiri wenyika VaMugabe vataura pamberi pesangano iri vakati zvirongwa zvehupfumi munyika zvave kukanganiswa nezvirango zvakatemerwa nyika yavo nenyika dzakabudirira.

VaMugabe vakurudzirawo kuti United Nations ivandudzwe uye pave nekujekeswa kuti ndiyani achatora chigaro chemunyori mukuru wesangano iri VaBan Ki-moon avo vave kuenda pamudyandigere.

Asi apo VaMugabe vange vachitaura zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nedzimwe nyika zvange zvichiratidzira panze pemuzinda weUnited Nations.

Vamwe vange vachiratidzira apa muimbi ane mukurumbira zvikuru Dr Thomas Mapfumo avo vati VaMugabe vakura uye ngavachienda pamudyandigere.

Mashoko aya atsinhirwa naDr Patson Dzamara munin’ina waVaItai Dzamara avo vakapambwa gore rapera vachiti VaMugabe vainge vakundikana uye vanofanira kusiya basa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga avo vari kuongorora zviri kuitika kuUnited Nations vanoti panyaya yezvirango VaMugabe ndivo vakazvisikira moto muziso nekutonga nedemo.

Vatiwo zvinoshamisa kuti VaMugabe vanoda kuti United Nations ivandudzwe asi vachiramba kuvandudza zvinhu muZimbabwe.

Zvichakadaro, vesangano reDecember 12th Movement vange vachiratidzira vachitsigira VaMugabe. Sangano iri nderevatema vemuAmerica vagara vachitsigira VaMugabe.

United Nations iri kusangana pasi pedingidira rakanangana nekugadzira nyaya dzebudiriro pasi rose kana kuti “The Sustainable Development Goals: a universal push to transform our world”.

Chitatu range riri zuva repiri kubva zvatanga kutaurwa nevatungamiri venyika kuUnited Nations. Vamwe vatungamiri vataura pamusangano uyu vatungamiri veChina, Japan, Ukraine, the European Union, Afghanistan ne Pakistan.

Nyaya Ina Marvellous Mhlanga Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaObama Votaura Kekupedzisira kuUnited Nations, Uko VaMugabe Votarisirwa Kutaura neChitatu

VaObama vachitaura kuUnited Nations General Assembly
VaObama vachitaura kuUnited Nations General Assembly

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama nemusi weChipiri vakataura kekupedzisira pamberi pesangano reUnited Nations General Assembly. Asi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kutaura nemusi weChitatu.

VaObama vaudza vatungamiri vedzimwe nyika kuti pane zvakawanda zvavakaedza kuita vari panyanga kuunza kugadzikana munyika dzepasi rino.

VaBarack Obama vachikwazisa munyori mukuru weUN VaBan Ki-moon.
VaBarack Obama vachikwazisa munyori mukuru weUN VaBan Ki-moon.

VaObama vatiwo vari kubatsira Africa munyaya dzemhando dzemoto. Vatiwo nyika dzine hutongo wejekerere ndidzo dzinobudirira.

Zvichakadaro vari kukukwidzana musarudzo dzekutsiva VaObama musarudzo dzemutungamiri wenyika Amai Hillary Clinton vemaDemocrats naVaDonald Trump vemaRepublicans vari kuitawo misangano nevamwe vatungamiri venyika kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly.

VaMugabe vakauya kuNew York vachibva kuVenezuela kumusangano weNon-Aligned Movement uyo usina kuendwa nevatungamiri vakawanda kubva kunyika zana nemakumi maviri dziri mugungano iri.

VaMugabe semazuva ose vari kutarisirwa kushora nyaya dzezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekunze. VaMugabe vakambotaurawo pamusangano wepadivi une chekuita nevapoteri nemusi weMuvhuro.

VaMugabe
VaMugabe

Vakashora nyika dzakabudirira vachiti dzinoshandisa masimba adzo zvisizvo zvinozopa kuti mune dzimwe nyika muite hondo vanhu voguma voenda muhupoteri.

MuZimbabwe mune vapoteri vekune dzimwe nyika vanosvika zviuru zvipfumbamwe asi vamwe vana veZimbabwe vakatizawo munyika vachinopotera kune dzimwe nyika kunyanya kuSouth Africa vachitiza hutongo waVaMugabe.

NeChipiri mumiriri weZimbabwe kuUnited Nation’s VaFredrick Shava vakasarudzwa kuti vatungamire kanzuru inotarisa nezvehupfumi nemagariro evanhu kana kuti United Nations Economic and Social Council.

Zvichakadaro, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuratidzira kuNew York zvichiti hazvisi kufara nehutongo hwaVaMugabe. Vamwe variko vanosanganisa VaEvan Mawarire veHash Tag This Flag, Dr Patson Dzamara uye muimbi Dr Thomas Mapfumo vari kutarisirwawo kuuya.

Kunyangwe vamwe vana veZimbabwe vari kuratidzira, kune vamwe veDecember 12th Movement vari kuratidzirawo vachitsigira VaMugabe. Sangano iri nderevatema vemuAmerica.

Mumwe weavo varikuronga kuratidzira uku ndiMuzvare Savannana Madamombe vanoti vari kuenderea mberi nekuratidzira pamuzinda weZimbabwe uye neChitatu vachange vari kuUnited Nations vachiratidzira apo VaMugabe vachataura.

Asi vatsigiri vesangano reDecember 12th Movement vanotiwo vacharamba vachitsigira VaMugabe uye vapomera zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuratidzira izvi mhosva yekutengesa nyika kuti vawane magwaro ekugara muAmerica izvo zviri kupikiswa nevari kuratidzira vachiti nhengo idzi dzakatengwa neZanu-PF. Asi veDecember 12th vanotii aya manyepo.

VaDzamara vati kuratidzira kwavari kuita kunoratidza kuti VaMugabe havachadiwe nevanhu.

Vamwe vari pakuratidzira uku semuwongorori ndiVaDewa Mavhinga vesangano reHuman Rights Watch avo vaudza Studio 7 kuti zvinokatyamadza kuti VaMugabe neChitatu vaitaura pamusoro pekukosha kwakaita kuchengetedzwa kwekodzero dzevari muhupoteri asi vachikanganwa vana vavo vari muhupoteri kune dzimwe nyika.

VaMugabe vanonzi vakawuya kumusangano uyu nemamwe makurukota ehurumende akawanda izvo zviri kushorwa nevari kuratidzira vachiti mari iyi yaifanirwa kushandiswa kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa munyika sezvo hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

XS
SM
MD
LG