Hupenyu Hwedu
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mufundisi Chaka Ngwenya Vobatsira Zvizvarwa zveZimbabwe Kumusha neKunze

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Mufundisi Chaka Ngwenya, vanoti vari kufara nekubatana kuri kuita zvizvarwa zveZimbabwe mukubatsira vamwe vari kutarisana nematambudziko panguva ino yeCovid-19.
Mufundisi Ngwenya vanoti vari kushanda pasi pekereke yeSalvation Army neZimbabwe Christian Fellowship yemuguta reNew York kuita zvirongwa zvekubatsira panguva ino yeCovid-19.
Vanoti vanobatsira vanhu nezvekudya, pekugara nekusimbudzira vamwe vanenge vachitarisana nematambudziko ekudzamisa pfungwa panguva ino apo vazhinji vari kutarisana nezvinetswa zvakawanda.
VaNgwenya vanoti vakatanga chimwe chirongwa kumusha chekubatsira vechidiki nemadzimai ekwaZvimba chekuvawanisa zvikwanisiro pamwe nemari nedzidzo kune avo vanoshaya.
"Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew York neAmerica zvandiratidza kuti takabatana muno munyika sezvo tiri kubatirana pamwe kuita zvirongwa zvinobatsira vari muno nekumusha," VaNgwenya vaudza Studio7.
"Takatotanga mumwe mubatanidzwa padandemutande weWhatsApp unononzi ZimFamilyUSA group apo tinopanana mazano ekurarama muAmerica semhuri. Tinokoka vese vari muAmerica kuti vapinde mumu unganidzwa umu kuti tizeye zvakadzama nezvatino sangana nazvo kunze kwenyika,"VaNgwenya vaenderera mberi.
"Takakwanisa kubatanidza mari semhuri yekubatsira mumwe wedu sisi Catherine Mhizha vakashaya mavhiki apfuura kuti vanoradzikwa kumusha. Takaunganidza mari inosvika $32 000 kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica yakakwanisa kuendeswa kumba pamwe chete nemutumbi wemuchakabvu," VaNgwenya vanodaro
- Jonga Kandemiiri
Varimi Vokurudzirwa Kungwarira Zvirwere Zvinobata Mombe Nguva Ino Yekunaya

Nyanzvi yezvekurima uye vari munyori mukuru wesangano rinomirira varimisi, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association, VaZivaishe Zhou, vari kuyambira varimi kuti vangwarire zvirwere zvinobata mombe dzavo munguva ino yekunaya.
VaZhou vanoti kune zvirwere zvakawanda zvinobata mombe munguva yekunaya, asi chirwere chavari kunyanya kutarisa nezvacho muhurukuro yedu ndechiya chinonzi January Disease, icho vanoti chinokonzerwa nezvikwekwe zvidukuduku zvinonyanyowanikwa munzeve dzemombe.
Vanoti kune mishonga yakasiyanasiyana inobatsira kuwrisana nechirwere ichi, uyevo murimi anogona kudzivirira mombe dzake kuti dzisabatwa nechirwere ichi kuburikidza nekudzidhibhisa, kudzimwaya mushonga pamusana kana kudzibaya.
Asi VaZhou vanokurudzira varimi kuti vashandise hunyanzvi hwevarimisi kana madhumeni vari munharaunda dzavo kuitira kuti vabatsirwe nekukasika.
- Jonga Kandemiiri
Sangano reCoomunity Working Group on Health Ropa Dzidziso Pamusoro peCovid-19

Mukuru wesangano reCoomunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti sangano ravo riri kushanda mumatunhu akawanda emunyika richidzidzisa vanoita zvehutano munharaunda pamwe vechidiki pamusoro pekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19, avo vanozodzidzisawo vamwe.
Izvi zvinouya panguva iyo matunhu anoti Bulawayo, Matabeleland North neMatabeleland South ari kusangana nedambudziko rekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere kubva mwedzi wapera.
VaRusike vanotiwo sangano ravo riri kushandawo mumatunhu anoti Manicaland, Masvingo neMidlands, uko vari kubatana nanambuya hutano mukupa dzidziso kuti veruzhinji vazive nzira dzekudzvirira kupararira kwedenda iri.
Sangano reCommunity Working Group on Health riri kukwanisa kupinda mumaruwa kuburikidza nemabhasikoro arakapiwa nesangano reWorld Bicycle Relief.
Asi vanoti kuti nyika ibudirire kudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera chirwere ichi, hurumende pamwe nemakanzuru zvinofanirwa kuona kuti vanhu vawaniswa mvura kayachena yekushandisa kugeza maoko pamwe nekuzvishambidza, uyewo vari kukurudzira veruzhinji kuti vachengetedze mitemo yakatarwa nebazi rezvehutano pamwe neWorld Health Organisation.
Asi VaRusike vanoti kana hurumende yakazofunga kutora matanhu ekurambidza veruzhinji kufambafamba, haifanirwe kubva yavhara nyika yose sezvakamboitika pakutanga, sezvo vazhinji vevanhu munyika vachirarama nekuzviitira mabasa emaoko.
- Jonga Kandemiiri
VaShona Vari muKenya Vanosvitsa Magwaro eNyunyuto kuParamende neSeneti Kuti Vawaniswe Magwaro eKugara muNyika iyi

Mhuri yevaShona inogara muKenya masvondo maviri adarika yakafora ichinosiya magwaro enyunyuto kumatare eparamende neseneti, senzira yekuedza kuti matare aya apindire mukuona kuti hurongwa hwekuwanisa mhuri iyi magwaro hwakasika kufambiswa nehurumende.
Mumwe wevakuru vemhuri iyi, VaOliver Muregerera, vanoti vakatora danho rekunosiya magwaro kuparamende iri senzira yekusunda nayo hurumende yeKenya kuti ipedzise basa rekuti vawaniswe magwaro emuKenya, uye vanoti vakatambirwa zvakanaka chose nematare maviri aya.
VaMuregerera vanoti vamirira kunzwa kuti kugara kwavachaita mumatare avo vanozobuda nemhinduro dzinoti kudii, asi vachiti zvinenge zvave nekakujeka zvishoma kuti pamwe vangakwanise kuwaniswa magwaro.
Vanoti nguva yekunyoresa kuti vawane magwaro yakanga yatarwa nehurumende yakanga yapera, ndizvo zvakaita kuti zvinhu zviite sezvakanga zvave kudzokera kumashure.
“Sakana ndopatakazosimudzira kuti tirwise nekuona kuti kuti tidzingirirane ne time limit kuti tirhinyuwe patsva, takaona kuti zvingatitorere nguva, sakana takaona kuti zvitori nani kuti titore petisheni kuti tinoiisa ku parliament neku senate.
“Riri zano ratakaona kuti ringaite kuti zvinhu zvingatirerukirewo kuti hurumende ikurumidze kutiseenzera basa iroro,” vanodaro VaMuregerera.
Vanoti hurumende pari zvino yakakwanisa kupa vana magwaro ekuberekwa kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo.
VaMuregerera vanotiwo kubva patanga hurongwa hwekuti vawaniswe magwaro, havasati vasanganawo nedambudziko pakutengesa zvigadzirwa zvavo sezvavaisimboita kare vachishungurudzwa nezvizvarwa zvenyika iyi pamwe nemapurisa.
Vanotiwo kunyange hazvo dambudziko rechirwere cheCovid-19 riri kukwira muNairobi, rinove guta guru reKenya mavagere, hapana wemhuri dzavo ati abatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.
Kuwaniswa magwaro kwevana vemhuri iyi uku kunotevera danho rakatorwa nehurumende yeKenya gore rapera, rekutanga kupa mhuri iyi, iyo ine vanhu vanodarika zviuru zvina, magwaro ekuti vave zvizvarwa zvenyika iyi, asi yakatanga nekupa magwaro ekuzvarwa kuvana vadiki.
Mhuri yevaShona iyi yanga yave nemakore anodarika makumi mashanu nematanhatu ichizivikanwa sevanhu vasina nyika yavanoti ndeyavo, sezvo vakanga vasina magwaro.
Rudzi rwevaShona urwu rwakatanga kupinda muKenya mugore ra1962 rwuchitungamirirwa naVaJohanne Masowe, avo vaifamba vachiparidza shoko nechechi yavo yeJohanne Masowe.
Varume gumi nevaviri vakatanga kupinda munyika iyi vakasvikira mudunhu reNgong, vakazoita mhuri dzavo nekuzotama vachinogara kuKiambaa mudunhu reKiambu pasi paIshe Joshua Kimemia, uko vachiri kugara nanhasi.
VaMuregerera vanoti chikuru chakaita kuti madzibaba avo agare muKenya kutambirwa zvakanaka kwaakaitwa nevakave mutungamiri weKenya wekutanga, VaJomo Kenyatta.
- Jonga Kandemiiri
ZINATHA Yokurudzira Veruzhinji kuMhan'garira N'anga Dzinoti Dzinorapa Dzichishandisa Nhengo dzeMunhu

Svondo rapera nyika yakamuka ichinzwa nezvenyaya yekufa kwemwanakoma ane makore manomwe, Tapuwa Makore, uyo aigara mudunhu rekwaMukarakate pasi paIshe Mangwende kwaMurehwa.
Chakazonyanya kukatyamadza vanhu ifiro inonzi yakaita mwana uyu, yekupondwa, uye kudimurwa-dimurwa kwenhengo dzemuviri wake nemhondi dzinofungidzirwa kuti dzaida kuzotengesa nhengo idzi kune dzin'anga kana vanamuzvinabhizimusi.
Chinotsamwisa pamwe nekusuvisa ndechekuti pamhondi idzi pane murume wemakore makumi mana Tafadzwa Shamba, uyo anofungidzirwa kuti ane chekuita nekuurayiwa kwemwana uyu.
Mapurisa anoti murume wemakore makumi mana uyu mufudzi wemombe weimwe mhuri inogara mubhuku rimwechete nemhuri yemukomana uyu.
Pane fungidziro yekuti Shamba nevamwe vake vakapamba mukomana uyu kubindu kwaakange aenda vakamuchengeta mune rimwe gomo kusvika hwave usiku apo anofungidzirwa kuti akazomuuraya achishanda nedzimwe mhondi dzinonzi nemapurisa dzichiri kutsvagwa.
Mushure mekuponda mwana uyu, imwe yemhondi idzi inofungidzira kuti yakazotora musoro wemwana uyu yakaenda nawo kwaJuru, uko kunonyanyozivikanwa sekwaBhora, mushure mekuvimbisa mufudzi wemombe uyu mari inoita madhora ekuAmerica chiuru nemazana mashanu.
Pane fungidziro yekuti mhondi idzi dzaishanda nemumwe muzvinabhizimusi kana n'anga, vanogona kunge vakati dzitsvage nhengo dzemwana mudiki.
Mubvunzo uri pamiromo yevanhu vakawanda ndewekuti mukore uno kuchine vanhu vari kutsvaga kupfuma vachishandisa mishonga? Mishonga ine ropa remunhu?
Munyori wedzidzo musangano revarapi vechivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA, Sekuru Prince Mutandi Sibanda, vanoti sangano ravo hari bvumidze nhengo dzaro kushandisa ropa remunhu.
Sekuru Sibanda vanoti kana kuchine n'anga dziri kuti dzinoda kusanganisa mishonga nenhengo dzemunhu, veruzhinji vanofanirwa kumhan'gara kumapurisa nekukasika.
Ko handiti vakuru vakati "Kupfuma ishungu?" Hazvirevi kuti unoita shungu dzekupfuma nekudeura ropa remunhu. Hupenyu hwemunhu hunokosha kuraswa nenzira yakadaro.
- Jonga Kandemiiri
Chii Chinoita Kuti Vakawanda Vanoshaira Kunze Kwenyika Vade Kuradzikwa Kumusha?

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kushaya zviri kunze kwenyika zviri kuzowanikwa zvichida kunoradzikwa kumusha kana zvichinge zvazoshaya.
Mhuri dzevafi dzakataura neStudio 7 dzine chitsama dzinoti dziri kutora matanho ekuendesa mitumbi kumusha senzira yekuzadzisa zvido zvevafi, vamwe vanenge vakasiya vataura kuti vanoda kunoradzikwa kumusha, kuchitiwo vamwe vanenge vachinzi vakasiya vanyora magwaro anotaura kwavanoda kuzoradzikwa.
Asi hurongwa hwakadai hakusi kuremedza mhuri yasara here kana vehukama, avo vachaunganidza mari dzinenge dzichidiwa kuendesa mutumbi kumusha?
Imwe nyanzvi yemagariro pamwe nehutano hwepfungwa, inoti zviri muvanhu vakawanda vanobuda kunze kwenyika kuti kana vakazoshaya vanoda kunovigwa kumusha kwavakabva.
Doctor William Guri, avo vanoshanda nevana vechikoro, vadzidzisi pamwe nevabereki muzvikoro zvekuEngland, vanoti havasi vari kunze kwenyika chete vanoda kunoradzikwa kumusha kana vachinge vashaya, asi kuti kana hama dziri kumusha dzinodisa kwazvo kuti hama inenge yatsakatikira kumarimuka idzoke kumusha izochengetedzwa pamwe nevamwe vehukama nedzinza.
Vanoti vanhu havafanirwe kukanganwa kuti vari kunze vakaenda kunoshava kana kuvhima, saka vanogarako vaine gadziriro yekuti nerimwe zuva vachadzokera kumusha.
Vanoti hazvisi zvizvarwa zveZimbabwe chete zviri kunze kwenyika zvinoda kunovigwa kumusha, asi kuti kana zvizvarwa zvedzimwe nyika zvakawanda zvinofira kunze zvinoda kunovigwa kunyika kwazvinobva.
"Hazvisi zvizvarwa zveZimbabwe chete zvinoda kunovigwa kumusha kana zvichinge zvashaya zviri kunze kwenyika. Vakawanda vari kunze kwenyika dzavo vanoda kuzovigwa kunyika dzavanobva kana vashaya vari kunze kwenyika dzavo."
Doctor Guri vanoti kunyange hazvo zvichidhurira vasara kuendesa mutumbi kumusha, hurongwa uhwu hunopa kugadzikana kune vehukama vasara, pamwewo nemufi, kuti aradzikwa kune vedzinza rake.
- Jonga Kandemiiri
Chirwere cheCovid-19 Chovhiringa Hukama hweVakawanda

Imwe nyanzvi yemagariro evanhu uye vari sachigaro vesangano rePADARE, VaJonah Gokova, vanoti chirwere cheCovid-19 chavhiringa hukama nemararamiro evanhu vakawanda sezvo vanhu vave kutya kufambidzana vachitya kubata chirwere ichi.
VaGokova vanoti hama neshamwari dzave kutyawo kuungana kuti dzionekane nevadikani vanenge vatisiya, zvikuru vaya vanenge vachinzi vafa nekuda kweCovid-19. Vanoti izvi zviri kuitikawo zvakare kune vanenge varwara vachienda kuzvipatara, sezvo pasina anoenda kunovaona.
Vanoti ivo vane vanhu vepedyo vakafirwa nevadikani vavo asi vakakundikana kuenda kunochema navo nenyaya yekuti vanhu havasi kubvumidzwa kuungana.
Asi vanoti maonero avo ndeekuti vanhu vakawanda vachabatira chirwere ichi nekuti vamwe havasi kuzopfeka zvekuvhara miromo nemhino kana vasangana nevanhu vekuziva vachifunga kuti vanhu ivavo havangaparadzire chirwere.
VaGokova vanoti kusazvichengetedza uku kunogona kunge kuri iko kuri kuwedzera huwandu hwevanhu vave kubatwa nechirwere ichi munyika, asi vasina nhoroondo yekumbobuda munyika.
Covid-19 yatadzisawo zvakawanda zvaisiitika mukurarama zvakaita sekuungana vanhu vachiroodzana. Mhuri dzakawanda pari zvino vanonzi vave kushandisa madandemutande panenge pachifanirwa kuunganwa pachiroorwa munhu.
Chiwere ichi chabata vanhu vanodarika zviuru zvishanu muZimbabwe, uye kuuraya vanodarika zana nemakumi matatu.
Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvodzekera Kumba neChitatu

Mumiriri weZimbawe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vanoti vanhu vanodarika zvuru zvishanu vari kugara muSouth Africa vanyoresa kumuzinda wavo vachiti vanoda rubatsiro.
Pavanhu ava vanodarika zvuru zviviri zvine zana nemakumi mapfumbamwe nemumwe, 2191 vati vanoda kudzokera kumusha vamwe vanodarika zvuru zvitatu vachiti vanoda rubatsiro rwzvekudya.
Chikwata chekutanga chiri kutarisirwa kudzoserwa kumusha musi weChitatu kana muzinda uyu wawirirana nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa..
VaHamadziripi vati hapana rubatsiro rwemari yekufambisa ruchapiwa vanhu ava nehurumende yeZimbabwe sezvo naiyo yakaomerwa. Asi vati vanenge vashaisisa vanogona kuzobatsirwa asi izvi zvinotora nguva yakareba.
Vati havo chavanogona kubatsira vari kuda kudzokera ava kutsvaga mabhazi anovatakura kuenda kuZimbabwe asi vachizvibhadharira mari inosvika mazana matanhatu emarands. Panyaya yechikafu, vati vachayedza kuendesa mazita evanhu kumasangano anobatsira nechikafu uye kutsvagawo chimwe chikafu.
Asi sechisungo chitsva chehurumende vanhu ava pavanosvika muZimbabwe vanotarisirwa kumbogariswa munzvimbo dzakatarwa nehurumende vachivhenekwa kuti havana chirwere checoronavirus here vasati vabvumidzwa kusangana nevamwe vanhu munyika.
VaLazurus Chinhara avo vasingaone uyewo vairarama nekupemha muJohannesburg vanoti pavari kugara nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mazana maviri nemakumi matatu hapachagarike.
VaChinhara vaenderera mberi vachiti hurumende yeZimbabwe yaomesera mhuri yayo zvikuru vakaremara sezvo vasina mari dzinodiwa pakubhadhara mabhazi kuti vadzokere kumusha.
Vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvachose kwavari nevamwe vavo
Muzvare Tanyaradzwa Masamba vanobva kuKadoma vachishanda kuDe Doreens mudunhu reWestern Cape vanoti ivo nevamwe vavo vave kuda kudzokera kumusha.
Sachigaro wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vashora hurumende yeZimbabwe nekutadza kuyamura mhuri yayo panguva yakadai.
VaMavhinga vakurudzira vose vanokwanisa kuyamura zvizvarwa izvi nezvekudya kana mari dzekufambisa kuti vaite izvi.
VaLeonard Kazikambani vanoti vange vakazvipira kudzokera kumusha uye vatenda muzinda weZimbabwe nekuvapa mukana uyu asi vanoti kuzochengetwa kwemazuva makumi maviri nerimwe ku Beitbridge ndizvo zvakavaomera naizvozvo nekudaro vafunga kugara havo muSouth Africa.
Kunyangwe muSouth Africa muine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda, VaHamadziripi vanoti hapana kana chizvarwa cheZimbabwe chimwe chete zvacho chati chafa kana kubatwa chiine chirwere cheCovid-19 icho chabata zvizvarwa zveSouth Africa zvinodarika zvuru zvitanhatu uye kuuraya zana nemakumi maviri nevatatu
Mutauriri webazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa VaNelson Kgwete, havana kukwanisa kupindura mibvunzo yabva kuStudio 7.
Facebook Forum