Madzimai akarwa hondo yerusununguko ari kunyunyuta kuti ari kubatwa neseri kweruoko nehurumende, achiti ari kunonga svosve nemuromo, makore makumi mana nematatu nyika yawana kuzvitonga. Mumwe wevakarwa hondo, Amai Margaret Dongo, vanoti mari dziri kupiwa vakarwa hondo dzinonzwisa tsitsi.