TV Schedule
20:00 - 21:00
Livetalk: The Connection with Mike Hove
Nhasi muchirongwa tiri kutarisa nyaya yevechidiki zana nemakumi matatu vakasungwa pakupera kwesvondo kuBulawayo vachipomerwa mhosva yekufara zvinopfurikidza mwero. Vamwe vanoziva mafaro aya sema Vuzu party. Kumafaro aya vechidiki vanonzi vari kutora mapiritsi asingabvumidzwe, kunwa zvinodhakwa, uye kuita zvepabonde. Vazhinji vavo vanonzi vanenge vasati vabva zera. Chii chirikukonzeresa kuti vechidiki ava vaite zvemafaro anopfurikidza mwero? Dambudziko iri ringapedzwe seyi? Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318. Munokwanisawo kupinda muchirongwa ichi nekutifonera panhamba dzinoti +1 202 619 2077.