TV Schedule
20:00 - 21:00
Livetalk: The Connection with Mike Hove
Nhasi muchirongwa tiri kutarisa nyaya yekushaikwa kwemabasa munyika. Kumusangano weNational Youth Indaba wegore rino, takanzwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachiti hurumende yavo ine hurongwa hwekubatsira vechidiki kuti vawane mabasa kana kuzvitangira mabhizimisi. Munoona hurumende yakazvipira here kugadzirisa nyaya yemabasa? Kana muchida kupinda muchirongwa chedu, titumirei nhamba dzenharembozha dzenyu paWhatsApp, panhamba dzinoti +12024650318.Munokwanisawo kupinda muchirongwa ichi nekutifonera panhamba dzinoti + 1 – 202 – 619 - 2077