VaShona Vari muKenya Vanosvitsa Magwaro eNyunyuto kuParamende neSeneti Kuti Vawaniswe Magwaro eKugara muNyika iyi

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende yeKenya yakatanga nekupa vana vemhuri yevaShona ava magwaro ekuberekwa. (mufananidzo naIshe Joshua Kimemia)

Mhuri yevaShona inogara muKenya masvondo maviri adarika yakafora ichinosiya magwaro enyunyuto kumatare eparamende neseneti, senzira yekuedza kuti matare aya apindire mukuona kuti hurongwa hwekuwanisa mhuri iyi magwaro hwakasika kufambiswa nehurumende.

Mumwe wevakuru vemhuri iyi, VaOliver Muregerera, vanoti vakatora danho rekunosiya magwaro kuparamende iri senzira yekusunda nayo hurumende yeKenya kuti ipedzise basa rekuti vawaniswe magwaro emuKenya, uye vanoti vakatambirwa zvakanaka chose nematare maviri aya.

VaMuregerera vanoti vamirira kunzwa kuti kugara kwavachaita mumatare avo vanozobuda nemhinduro dzinoti kudii, asi vachiti zvinenge zvave nekakujeka zvishoma kuti pamwe vangakwanise kuwaniswa magwaro.

Vanoti nguva yekunyoresa kuti vawane magwaro yakanga yatarwa nehurumende yakanga yapera, ndizvo zvakaita kuti zvinhu zviite sezvakanga zvave kudzokera kumashure.

“Sakana ndopatakazosimudzira kuti tirwise nekuona kuti kuti tidzingirirane ne time limit kuti tirhinyuwe patsva, takaona kuti zvingatitorere nguva, sakana takaona kuti zvitori nani kuti titore petisheni kuti tinoiisa ku parliament neku senate.

“Riri zano ratakaona kuti ringaite kuti zvinhu zvingatirerukirewo kuti hurumende ikurumidze kutiseenzera basa iroro,” vanodaro VaMuregerera.

Vanoti hurumende pari zvino yakakwanisa kupa vana magwaro ekuberekwa kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo.

VaMuregerera vanotiwo kubva patanga hurongwa hwekuti vawaniswe magwaro, havasati vasanganawo nedambudziko pakutengesa zvigadzirwa zvavo sezvavaisimboita kare vachishungurudzwa nezvizvarwa zvenyika iyi pamwe nemapurisa.

Vanotiwo kunyange hazvo dambudziko rechirwere cheCovid-19 riri kukwira muNairobi, rinove guta guru reKenya mavagere, hapana wemhuri dzavo ati abatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Kuwaniswa magwaro kwevana vemhuri iyi uku kunotevera danho rakatorwa nehurumende yeKenya gore rapera, rekutanga kupa mhuri iyi, iyo ine vanhu vanodarika zviuru zvina, magwaro ekuti vave zvizvarwa zvenyika iyi, asi yakatanga nekupa magwaro ekuzvarwa kuvana vadiki.

Mhuri yevaShona iyi yanga yave nemakore anodarika makumi mashanu nematanhatu ichizivikanwa sevanhu vasina nyika yavanoti ndeyavo, sezvo vakanga vasina magwaro.

Rudzi rwevaShona urwu rwakatanga kupinda muKenya mugore ra1962 rwuchitungamirirwa naVaJohanne Masowe, avo vaifamba vachiparidza shoko nechechi yavo yeJohanne Masowe.

Varume gumi nevaviri vakatanga kupinda munyika iyi vakasvikira mudunhu reNgong, vakazoita mhuri dzavo nekuzotama vachinogara kuKiambaa mudunhu reKiambu pasi paIshe Joshua Kimemia, uko vachiri kugara nanhasi.

VaMuregerera vanoti chikuru chakaita kuti madzibaba avo agare muKenya kutambirwa zvakanaka kwaakaitwa nevakave mutungamiri weKenya wekutanga, VaJomo Kenyatta.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaOliver Muregerera