Imwe nyanzvi yemagariro evanhu uye vari sachigaro vesangano rePADARE, VaJonah Gokova, vanoti chirwere cheCovid-19 chavhiringa hukama nemararamiro evanhu vakawanda sezvo vanhu vave kutya kufambidzana vachitya kubata chirwere ichi.
VaGokova vanoti hama neshamwari dzave kutyawo kuungana kuti dzionekane nevadikani vanenge vatisiya, zvikuru vaya vanenge vachinzi vafa nekuda kweCovid-19. Vanoti izvi zviri kuitikawo zvakare kune vanenge varwara vachienda kuzvipatara, sezvo pasina anoenda kunovaona.
Vanoti ivo vane vanhu vepedyo vakafirwa nevadikani vavo asi vakakundikana kuenda kunochema navo nenyaya yekuti vanhu havasi kubvumidzwa kuungana.
Asi vanoti maonero avo ndeekuti vanhu vakawanda vachabatira chirwere ichi nekuti vamwe havasi kuzopfeka zvekuvhara miromo nemhino kana vasangana nevanhu vekuziva vachifunga kuti vanhu ivavo havangaparadzire chirwere.
VaGokova vanoti kusazvichengetedza uku kunogona kunge kuri iko kuri kuwedzera huwandu hwevanhu vave kubatwa nechirwere ichi munyika, asi vasina nhoroondo yekumbobuda munyika.
Covid-19 yatadzisawo zvakawanda zvaisiitika mukurarama zvakaita sekuungana vanhu vachiroodzana. Mhuri dzakawanda pari zvino vanonzi vave kushandisa madandemutande panenge pachifanirwa kuunganwa pachiroorwa munhu.
Chiwere ichi chabata vanhu vanodarika zviuru zvishanu muZimbabwe, uye kuuraya vanodarika zana nemakumi matatu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJonah Gokova