Vechidiki vakatamba nhabvu zvinonwisa mvura mugore 2018 vakaremekedzwa zvine mutsindo neMugovera pachirongwa chakaitirwa mumusha weKuwadzana 5.
Warilla Stars
Vechidiki ava vari kunodza ruzivo rwavo rwemutambo wenhabvu pasi pechirongwa cheWarilla Stars Football Academy.
Tinashe Churu - Best Defender
Nigel Vera - Top goal scorer
Vakaremekedzwa ava vanoti Tinashe Churu (best defender); Blessing Chikwariro (best midfielder); Courage Mudziviri (most disciplined); Nigel Vera (player of the year) nevamwe.
Warilla Stars Football Academy
Maneja weWarilla Stars, VaItai Blessing Wata, vanoti hurongwa hwavo hwakafamba zvakanaka chose.
VaWata, avo vanoti vakambotamba nhabvu kwaMutare, vanoti vanonzwa kuita manyukunyuku nerutsigiro rwavanopihwa nevabereki vemunharaunda yavo.
Asi VaWata vanoti kuti hurongwa hwavo hubudirire, vanodawo rubatsiro kubva kune vane tsiye nyoro kuitira kuti chirongwa chavo chibudirire.
“Tinodawo rubatsiro zvikuru rwemaunifomu nezvekufambisa patinenge tichinotamba nezvimwe zvikwata. Tine vana vane remangwana rakanaka zvikuru munyaya dzemutambo wenhabvu,” vadaro VaWata.
Warilla Stars Football Academy yakatangwa naVaWata mbune muna Kukadzi 2018 nechinangwa chekusimudzira mutambo wenhabvu munyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaItai Blessing Wata