Kutanga mwedzi uno, nhandare yendege yeLouisville International Airport, kuKentucky, ichange yave kudaidzwa kuti Louisville Muhammad Ali International Airport.
Meya veguta iri, VaGreg Fischer, vanoti Muhammad Ali aive munhu wevanhu pasi pose asi guta rake raive rimwe chete, reLouisville.
Muhammad Ali, uyo aitya zvikuru kufamba nendege, akashaya musi wa 3 Chikumi 2016.