Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, nhasi vari kutarisirwa kutura mashoko emamiriro akaita zvinhu munyika, kana kuti State Of The Union Address, pamberi pedare reSenate neHouse of Representatives muWashington DC.
Vachitaura pavhidhiyo ratumira kuruzhinji, VaBiden vati vachataura nezvemamiriro akaita zvinhu uye remangwana.
VaBiden vari kutarisirwa kutaura pamusoro penyaya dzakaita sedzehupfumi hwenyika, dzidzo, hutano, nyaya dzekushandiswa kwepfuti, nyaya yekubvisa nhumbu (kana kuti Abortion), nezvimwe.
Panopedza VaBiden kutaura, seneta weku Alabama, Amai Kate Britt, vachapawo mhinduro yebato remaRepublicans.
Senator Katie Britt Alabama
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paHoward University mu Washington D.C, vaCalvin Manduna, vanoti vaBiden havafaniri kurega kutaura pamusoro pemamiriro akaita zvunhu kumuganhu wenyika, kana kuti Immigration, sezvo nyaya iyi irikutaurwa nezvayo zvikuru.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro na Va Calvin Manduna