Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nevaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump vakunda zvine mutsindo pane zviri kubuda musarudzo dzekutsvaga vachakwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika kana kuti ma"primary" muna Mbudzi.
Sarudzo idzi dzakaitwa neChipiri mumatunhu gumi nematanhatu uye dzinozivikanwa nerekuti "Super Tuesday". Matunhu
Pane zvaziviswa, VaBiden vebato remaDemocrats vakunda kuNorth Carolina, Colarado, Iowa, Texas, Massachusetts, Vermont, Minnesota Virgnia, Tennessee, Maine ne Arkansas.
Marianne Williamson
VaBiden vari kukwikwidzana naVaDean Phillips, Jason Palmer, Amai Marianne Williamson nevamwe.
VaDean Phillips
Kubato remaRepublicans, VaDonald Trump vakundawo kuNorth Carolina, Virginia, Oklahoma, Tennesse, Arkansas, Maine neMinnesotta.
VaTrump vari kukwikwidzana nevaimbova mumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Nikki Haley.
Asi mune zvange zvisina kutarisirwa nevakawanda, VaJason Palmer vakunda VaJoe Biden kuchitsuwa cheAmerican Samoa ukuwo Amai Haley vachikunda VaTrump kuVermont.
(Zvimwe zviri kubva kuAP nedzimwe nhepfenyuro)