America nhasi yarangarira makore makumi maviri kubva zvayakabhombwa musi wa 11 Gunyana nevanopfurikidza mwero veAl Qaida.
Vanhu vanodarika zviuru zvitatu vakafa mushure mekunge vechikwata chinopfurikidza mwero ichi chapamba ndege ndokudzibonderesa pamudhuri kuNew York nemuzinda wemauto wePentagon pedyo neWashington DC uye imwe ndege yakadonha kuPennsylvania.
Amai Kamala Harris
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris vari kuNew York uko vari kurangarira vakashaya ava.
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Jill Biden negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaLloyd Austin nemukuru wemauto General.
Amai Jill Biden
Mark Milley vaisa maruwa ekurangarira vakafa paNational 9/11 Pentagon Memorial pedyo neWashington DC.
Vanorwira kodzero dzevanhu vari nhengo yeTripple C vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kurangarira vanhu ava vamwe vavo vakasara vave madota zvekusatozivikanwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDavid Siampondo