Breaking...America Yowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa VaMnangagwa neVamwe muHurumende

VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vakuru muhurumende yavo vari kupomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Mumashoko kuvatori venhau nhasi, VaBiden vati vawedzera negore zvirango izvi vachipomera VaMnangagwa nevamwe vavo mhosva "yekukanganisa hutongo hwejekerere uye kukanganisa kudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika."

VaBiden vati, "Mutungamiri wenyika yeZimbabwe VaEmmerson Mnangagwa hapana zvavaita kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika uye kuvandudza hupfumi hwenyika kuti zvirango zvavakatemerwa zvibviswe."

Vaenderera mberi vachiti, "Gore rapera rose vanodzivirira nyika vange vachityisidzira vanhu uye kurova zvakaipisisa vanopikisa, vamiririri vevashandi nevatori venhau." Vati nyaya yekudzvinyirira vanhu iyi inogona kupa kusagadzikana kwedunhu rose remuAfrica.

Zvirango izvi zvakatanga kutemerwa vatungamiri venyika nevavanodyidzana navo muna 2003. America yakati vari pazvirango ava havabvumidzwe kudyidzana neAmerica munyaya dzezvehupfumi uye kushanyira America.

Hatisati takwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.