Kunyangwe hazvo America yakatemera zvirango vamwe vanhu vana nezuro kusanganisira mwana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Emmerson Mnanngagwa Junior, pane vamwe vanhu kunyanya vaive muhurumende vakabviswa pazvirango.
VaIgnatius Chombo
Vanhu ava vanoti Amai Flora Buka, VaIgnatious Morgan Chombo, VaNicholas Tasungunurwa Goche,naVaRugare Aleck Ngidi Gumbo.
VaRugare Gumbo
Vamwe vabviswa vanosanganisira VaJaison Machaya, VaReuben Marumahoko, VaHerbert Murerwa nemudzimai wavo Amai Ruth Chipo Murerwa, VaKenneth Keparadza Mutiwekuzivam VaDavid Chapfika, VaPhineas Chihota, mwana waVaPatrick Chinamasa, Gamuchirai Chinamasa, Amai Abigail Damasane, VaAndrew Langa, mupurisa VaLevy Sibanda, Amai Hellin Mushanyuri Gono, mudzimai waVaGideon Gono, uye VaChenhamo Chakezha Chimutengende.