Accessibility links

Breaking News

Botswana Yowandudza Bumbiro reMitemo Kuti Richerechedza Mutauro weChishona


Botswana ine hurongwa hwekuwandudza bumbiro remutemo renyika iyi nechinangwa chekuita kuti rurimi rweShona rwutambirwe serumwe rurimi rwunotaurwa zviri pamutemo muBotswana.

Hurongwa uhu hwakatanga mwedzi uno nekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pekuti mutauro werurimi rweShona rwunge rwuchishandiswa munyika iyi zviri pamutemo.

Mushure mehorongwa uhwu kupera vkwemwedzi uno, pari kutarisirwa kuti paumbwe bhiri rekuvandudza bumbiro remitemo muBotswana kuitira kuti mutauro weShona unge uchicherechedzwa zviri npamutemo muBotswana.

Kana bhiri iri ratambirwa, mutauro weShona unenge wcherechedzwa zviri pamutemo muBotswana

Gurukota rinoona nezvematunhu nezvechivanhu kana kuti Minister of Local Government and Traditional Affairs, VaKetlhalefile Motshegwa, vanoti hurumende yeBotswana yakaona zvakakodzera kuti rwudzi rweChiShona rwucherechedzwewo zviri pamutemo.

VaMotshegwa vanoti, “Shuviro yedu kuona mitauro yese ichicherechedzwa zviri pamutemo nekuti tiri hurumende yegutsa ruzhinji.”

VaMotshegwa vatizve, “Kucherechedza mitauro yese kunopedza makakava anomuka pakati pemarudzi."

Vaenderera mberi vachiti, "Isu hatidi kuti vavenge vamwe nemhaka yekuti rurumi rweShona harusi kucherechedzwa semimwe mitauro inotaurwa muno muBotswana.”

Vakawanda vanotaura rurimi rweShona vari kutambira hurongwa uhwu nemaoko maviri.

Mumwe wevanhu ava vanogara muBotswana, ndiVaTobias Hamadziripi, avo vanotungamira vanhu vanotaura Shona mumusha weSemotswane uyo uri pedyo neguta reFrancistown. Vati, “Imo mumo umu kana kungotaura Shona uri pauri munhu anotonzwa kuti uri kuti chii kunyangwe munhu wacho ari muTswana.”

Mumwe mugari wemumusha weMmandunyane, uyo uri pedyo neguta reFrancistown, Amai Victoria Sakurombe, vanoti hurongwa uhwu hukabudirira, huchabatsira zvikuru kuti vana vavo vazive rurimi rwamai vavo.

“Iye zvino, vana vedu havazive kuti munhu mukuru unosvika uchimukwazisa neruoko kutanga, vopfugama pasi woombera uchiti makadii, Amai Sakurombe vaudza Studio 7. Vatiwo, "Saka hurongwa uhu huchatibatsira zvakanyanya kana hukabudirira.”

Asi mumwe mubereki, Amai Primrose Chirikure, vanoti vana vazhinji havadadi nekutaura rurimi rwamai.

Amai Chirikure vati, “Pane patinotozeza kutaura Shona kunyanya muzvitoro kana mudzimota dzeve ruzhinji." Vati, " Tinotadziswa kutaura mutauro wedu nekuti Shona haionekwe semutauro wemuno muBotswana. Izvi zviri kuita kuti vana vedu vasadade nerudzi rwavoba.”

Asi mumwe mugari wemuguta reGaborone uye vachidzidzisa mitauro pachikoro cheKolobeng Livingstone College, VaTerrence Mlambo, vanoti kucherechedzwa kwerurimi rweShona kunogona kukonzeresa kuvhingiridzika muvana.

“Dambudziko richava pakuti vana vanenge vave kudzidziswa Shona kuchikoro pamwe chete neSetswana. Apa makore ese aya vanga vajaira kudzidziswa Setswana. Saka zvinogona kuvavhiringidza.”

Asi nyanzvi yemutauro uye vachidzidzisa zvidzidzo zvetsika nemagariro paBaIsago University muGaborone, VaDamien Mutungagore, vanoti kuziva rurimi rwako kunoita kuti munhu azive tsika dzake nemagariro erudzi rwake.

“Rurimi rwako ndiro rwunoita kuti vanhu vazive kuti ndiwe ani uye tsika nemagariro ndeakaita sei. Saka rurimi rwakafanirwa kuremekedzwa kuitira kuti munhu azvizive kuti ndiye ani.”

Vanhu vanotaura rurimi rweShona, avo vanowanika mumisha iri mumuganho weZimbabwe neBotswana kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva enyika iyi, vanofungidzirwa kuti vakatanga kugara muBotswana muna1951.

Pari zvino, zvinofungidzirwa kuti chikamu chimwe chete kubva muzana kana kuti one percent yevagari vemuBotswana ndeverudzi rweChiShona.

Bumbiro remitemo yemuBotswana, rinocherechedza mitauro inoti Sekalaka, Sengwaketse, Sengwato, Sekgatla, Sekgalagadi, Sebirwa, Setswana neSerolong pamwe nemutauro weChirungu.

Izvi zvinoreva kuti bumbiro remitemo rikavandudzwa, richange rava nemitauro gumi kusanganisira Shona inocherechedzwa zviri pamutemo.

Muna 2022, United Nations Educational, Scientific and Cultural Organization kana kuti UNESCO, yakaparura hurongwa hwemakore gumi hwakanangana nekuchengetedzwa kwemitauro yakatarisana nekuparara pasi pechironga cheInternational Decade of Indigenous Languages.

Zviri kuitwa neBotswana izvi zviri mugwara reUNESCO rekuzadzisa donzvo re International Decade of Indigenous Languages.

Forum

XS
SM
MD
LG