Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi Vofa Mushure Mekupfurwa nePfuti kuCalifornia


Mapurisa ari kuMonterey Park, California
Mapurisa ari kuMonterey Park, California

Vanhu gumi vakaurayiwa nezuro muguta reMonterey Park, California muAmerica munzvimbo yekutandarira vanhu vachidzidzira kutamba kana kuti ballroom dance. Mapurisa anoti achiri kutsvaga munhu akapfura vanhu ava.

Asi parizvino pane munhu akakomberedzwa muguta reTerrance nemapurisa ari mumutokari ari kufungidzirwa kuti ndiye akauraya vanhu ava. Vanhu gumi vanonzi vakaendeswa kuchipatara uye mumwe akakuvara zvakaipisisa.

Izvi zvakaitwa pedyo nepaiitwa mhemberero dzekupemberera kutanga kweqegore kana kuti Chinese Linar New Year.

Mapurisa anoti ari kuferefetawo kuti munhu wekupfura vanhu uyu handiye zvekare here akapfura vamwe pedyo nepane imwe nzvimbo iri pedyo nepakafira vanhu gumi ava.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG