Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopomerwa Mhosva yeKutyora Mutemo Kuti Vakoti naVanaChiremba Vasabude muNyika


Sachigaro weHealth Services Board Dr Paulinus Sikosana vaudza Studio 7 kuti kubva muna 2021 kusvika muna Mbudzi gore rino, vashandi vehurumende zviuru zvina vakasiya basa vachinotsvaga mafuro manyoro kune dzimwe nyika.

Asi vachipindura mukuru werimwe sangano revashandi reApex Health Panel Dr Tapiwanashe Kosotera vaudza Studio 7 kuti vashandi vakasiya basa vangadai vakatowanda dai hurumende isina kudzika mimwe mitemo yavati inotyora kodzero dzevashandi nekutyora mutemo kuti vasavape mapepa anodiwa kuti vasiye basa muhurumende.

Dr Sikosana vati izvi zviri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwehupfumi sezvo mari dziri kutambiriswa vashandi dziri kudererera nekushaya simba kwedhora remunyika.

Vakawand vanonzi vari kuenda kuBritain neAustralia. Vatiwo hurumende iri kuyedza kugadzirisa zvinhu nekuvakira vashandi dzimba nekuti zvive nyore kuti vatenge motokari.

Dr Kusotera vati hurumende inofanira kugadzirisa matambudziko akatarisana nevashandi kusanganisira mari yemihoro nezvavanoshandisa.

Vatenda hurumende nekumbovawedzera mari asi vakati haichakwane nemamiriro akaita zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG